Exodus 12

Pasika

1Jehovha akati kuna Mozisi naAroni vari muIjipiti, 2“Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, mwedzi wokutanga wegore renyu. 3Udzai ungano yose yeIsraeri kuti pazuva regumi romwedzi uno, murume mumwe nomumwe anofanira kutorera mhuri yake gwayana, rimwe chete paimba imwe neimwe. 4Kana imba ipi zvayo iri duku kwazvo pagwayana rose, vanofanira kugovana rimwe chete nomuvakidzani ari pedyo zvichienderana nouwandu hwavanhu varipo. Munofanira kuona mugove unodikanwa maererano nezvingadyiwa nomunhu mumwe nomumwe. 5Zvipfuwo zvamunosarudza zvinofanira kuva mikono yegore rimwe chete isina chainopomerwa, uye munogona kuzvitora kubva kumakwai kana kumbudzi. 6Muzvichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yeIsraeri inofanira kuzviuraya panguva yamadekwana. 7Ipapo vanofanira kutora rimwe ropa vagoriisa pamagwatidziro maviri egonhi napazvivivo zvedzimba dzavanodyira makwayana vari. 8Usiku ihwohwo vanofanira kudya nyama yakagochwa pamoto, pamwe chete nemiriwo inovava, nechingwa chisina mbiriso. 9Musadya nyama iri mbishi kana yakabikwa mumvura, asi mugoche pamoto, musoro, makumbo uye nezvomukati. 10Musasiya kana chimwe charo kusvikira mangwanani; kana zvimwe zvikasara kusvikira mangwanani, munofanira kuzvipisa. 11Aya ndiwo madyiro amunoriita: Majasi akasungwa nebhanhire, makapfeka shangu mutsoka dzenyu, uye tsvimbo dzenyu dziri mumaoko enyu. Muridye nokukurumidza; ndiyo Pasika yaJehovha.

12“Nousiku ihwohwo ndichapfuura napakati peIjipiti ndigorova matangwe ose, zvose vanhu nezvipfuwo, uye ndichatonga vamwari vose veIjipiti. Ndini Jehovha. 13Ropa richava chiratidzo kwamuri mudzimba dzamunogara; uye ndikaona ropa, ndichapfuura pamuri. Hapana hosha inoparadza ichakubatai pandicharova Ijipiti.

14“Iri ndiro zuva ramunofanira kurangarira; kuzvizvarwa zvinotevera mucharipemberera somutambo kuna Jehovha, mutemo wokusingaperi. 15Kwamazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso. Pazuva rokutanga mubvise mbiriso mudzimba dzenyu, nokuti ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso mukati macho kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. 16Pazuva rokutanga muite ungano tsvene, uye mugoitazve imwe ungano pazuva rechinomwe. Musatomboshanda pamazuva iwayo, kunze bedzi kwokugadzira zvokudya zvokuti munhu wose adye, ndizvo chete zvamungaita.

17“Mupemberere Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti pazuva irori ndipo pandakabudisa mapoka enyu kubva muIjipiti. Mupemberere zuva irori uve mutemo wokusingaperi kuzvizvarwa zvinotevera. 18Mumwedzi wokutanga munofanira kudya chingwa chakabikwa chisina mbiriso, kubva pamadekwana ezuva regumi namana kusvikira madekwana ezuva ramakumi maviri nerimwe. 19Kwamazuva manomwe, mbiriso ngairege kuwanikwa mudzimba dzenyu. Uye ani naani anodya chinhu chipi zvacho chine mbiriso anofanira kubviswa pakati peungano yaIsraeri, angava mutorwa kana akaberekerwa munyika imomo. 20Musadya chinhu chakabikwa nembiriso. Pose pamunogara, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.”

21Ipapo Mozisi akadana vakuru vose veIsraeri akati kwavari, “Endai izvozvi mundosarudza zvipfuwo zvemhuri dzenyu mugouraya gwayana rePasika. 22Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo uye mugoisa rimwe ropa nechapamusoro pechivivo uye napamativi maviri amagwatidziro egonhi. Parege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwanani. 23Jehovha paanopinda napakati penyika kuti arove vaIjipita, achaona ropa pamusoro pechivivo nomumativi amagwatidziro egonhi uye achapfuura pamikova yenyu, uye haangatenderi muparadzi kuti apinde mudzimba dzenyu kuti akurovei.

24“Muteerere mirayiro iyi ive mitemo kwamuri nokuzvizvarwa zvenyu nokusingaperi. 25Pamunopinda munyika yamuchapiwa naJehovha sezvaakavimbisa, mucherechedze chirevo ichi. 26Uye pamuchabvunzwa navana venyu vachiti, ‘Zvinoreveiko izvi kwamuri?’ 27Ipapo muvaudze kuti, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, uyo akapfuura napadzimba dzavaIsraeri muIjipiti akaponesa dzimba dzedu paakarova vaIjipita.’ ” Ipapo vanhu vakapfugama vakanamata. 28VaIsraeri vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni.

29Pakati pousiku Jehovha akarova matangwe ose omuIjipiti, kubva padangwe raFaro, iye aizogara pachigaro choushe, kusvika kudangwe romusungwa, akanga ari mutorongo, nedangwe rezvipfuwo zvosewo. 30Faro namachinda ake ose uye navaIjipita vose vakamuka usiku, uye kwakava nokuungudza kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba isina munhu akanga afa.

Kubuda

31Faro akadana Mozisi naAroni usiku akati, “Simukai, mubve pakati pavanhu vangu, imi navaIsraeri! Endai, mundonamata Jehovha sezvamakakumbira. 32Mutore makwai enyu nemombe, sezvamakareva, mugoenda. Uyewo mundiropafadze.”

33VaIjipita vakakurudzira vanhu kuti vakurumidze kubva munyika. Nokuti vakati, “Zvimwe tingafa tose!” 34Saka vanhu vakatora mukanyiwa wavo usati waiswa mbiriso, vakatakura pamapfudzi avo mumidziyo yokukanyira vakazviputira mumicheka. 35VaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naMozisi vakakumbira zvishongo zvesirivha, negoridhe uye nezvokupfeka. 36Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipita, uye vakavapa zvavakakumbira; saka vakapamba vaIjipita.

37VaIsraeri vakafamba kubva paRamesesi kusvikira kuSukoti. Kwakanga kuna varume mazana matanhatu ezviuru vaifamba netsoka, pasingaverengwi vakadzi navana. 38Vamwe vanhu vazhinji vakaendawo navo, pamwe chete namapoka makuru ezvipfuwo, zvose makwai nemombe. 39Vakabika makeke ezvingwa zvisina mbiriso nomukanyiwa wavakabva nawo kuIjipiti. Mukanyiwa uyu wakanga usina mbiriso nokuti vakanga vadzingwa kubva muIjipiti uye havana kuwana nguva yokuti vazvigadzirire zvokudya.

40Zvino nguva yakagara vanhu veIsraeri muIjipiti yakanga iri makore mazana mana namakumi matatu. 41Pakupera kwamakore mazana mana namakumi matatu, kusvikira pazuva racho iroro, ungano yose yavanhu vaJehovha yakabva muIjipiti. 42Usiku uhwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa muIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsraeri vose namarudzi avo ose.

Mitemo yePasika

43Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Iyi ndiyo mitemo yePasika:

“Mutorwa haafaniri kuidya.
44Nhapwa ipi zvayo yawakatenga ingadya hayo mushure mokunge wamudzingisa, 45asi mueni uye nomunhu anoshandira mari haafaniri kuidya.

46“Inofanira kudyirwa muimba imwe chete; musabuda neimwe nyama kunze kwemba. Musavhuna kana bvupa. 47Ungano yose yeIsraeri inofanira kuipemberera.

48“Mutorwa wose agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kudzingisa varume vose vari mumba make; ipapo achadya hake somunhu akaberekerwa munyika imomo. Murume asina kudzingiswa haafaniri kuidya. 49Murayiro mumwe chete iwoyo unobata kuna vose vakaberekerwa munyika imomo nokumutorwa agere pakati penyu.”

50VaIsraeri vose vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni. 51Uye pazuva racho iroro Jehovha akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti namapoka avo.

Copyright information for SnaBDSC